Matthew 22

Mufananidzo woMutambo weSvitsa

1Jesu akataurazve kwavari nemifananidzo achiti, 2“Umambo hwokudenga hwakafanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa. 3Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya.

4“Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’

5“Asi hapana akateerera uye vakaenda mumwe kumunda wake, mumwewo kune rimwe basa rake. 6Vamwe vavo vakabata varanda vake vakavaitira zvakaipa uye vakavauraya. 7Mambo akatsamwa kwazvo. Akatuma hondo yake kundoparadza vaurayi vaya uye akapisa guta ravo.

8“Ipapo akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wesvitsa wagadzirirwa asi vaya vandakakoka vakanga vasingakodzeri kuti vauye. 9Endai kumharadzano dzenzira mundokoka kumutambo ani zvake wamuchawana.’ 10Saka varanda vakaenda mumigwagwa vakandokokorodza vose vavakagona kuwana, vose vakanaka nevakaipa, uye imba yesvitsa ikazara navakanga vakokwa.

11“Asi mambo akati apinda kuzoona vakanga vakokwa, akaona munhu imomo akanga asina nguo yesvitsa. 12Akamubvunza akati, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina nguo yesvitsa?’ Munhu uya akashaya chokureva.

13“Ipapo mambo akaudza varanda vake akati, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande panze, murima, umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.’

14“Nokuti vazhinji vakakokwa asi vakasarudzwa vashoma.”

Kuripa Mutero kuna Kesari

15Ipapo vaFarisi vakabuda vakandoronga kuti vamubate namashoko ake. 16Vakatuma vadzidzi vavo kwaari pamwe chete navaHerodhi. Vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama uye kuti munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Hamutsauswi navanhu nokuti hamutarisi kuti ndivanaani. 17Tiudzei zvino kuti imi, munoti kudini? Zvakanaka here kutera mutero kuna Kesari kana kuti hazvina?”

18Asi Jesu, achiziva kuipa kwavo, akati, “Imi vanyengeri munondiedzereiko? 19Ndiratidzei mari inoshandiswa pakutera mutero.” Vakamuvigira dhenari 20uye akavabvunza akati, “Ko, mufananidzo uyu ndowaani uye runyoro urwu ndorwaani?”

21Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.”

Ipapo akati kwavari, “Ipai kuna Kesari zvaKesari, uye kuna Mwari zvaMwari.”

22Vakati vanzwa izvi, vakashamiswa. Saka vakamusiya vakaenda.

Waniso paKumuka kwaVakafa

23Pazuva rimwe chetero vaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo. 24Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatiudza kuti murume akafa asina vana mununʼuna wake anofanira kuwana chirikadzi agomuberekera vana. 25Zvino pakati pedu paiva navanakomana vomunhu mumwe vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi ndokubva iye afa, uye sezvo akanga asina vana, akasiyira mununʼuna wake mukadzi. 26Zvimwe chetezvo zvakaitika kuno wechipiri nowechitatu kusvikira kuno wechinomwe. 27Pakupedzisira mukadzi akazofawo. 28Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko pavanomwe vaya sezvo vose vaiva varume vake?”

29Jesu akavapindura akati, “Ndipo pamunorasika ipapo nokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari. 30Pakumuka kwavakafa vanhu havawani kana kuwanikwa, vachange vakaita savatumwa kudenga. 31Asi pane zvokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here zvakarehwa naMwari kwamuri, achiti, 32‘Ndini Mwari waAbhurahama naMwari waIsaka naMwari waJakobho’? Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu.”

33Vanhu vazhinji vakati vanzwa izvi, vakashamiswa nokudzidzisa kwake.

Murayiro Mukuru

34Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete. 35Mumwe wavo aiva nyanzvi pane zvemirayiro akamuedza nomubvunzo achiti, 36“Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru muMurayiro?”

37Jesu akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’ 38Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga. 39Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ 40Murayiro wose naVaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.”

Ko, Kristu Mwanakomana waani?

41VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati, 42“Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?”

Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.”

43Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe’? Nokuti anoti,

44“ ‘Ishe akati kuna Ishe wangu:
Gara kuruoko rwangu rworudyi,
kusvikira ndaisa vavengi vako
pasi petsoka dzako.’
45Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?” 46Hapana akagona kutaura shoko rimwe, uye kubva pazuva iroro zvichienda mberi hapana akazoshinga kumubvunza mimwezve mibvunzo.

Copyright information for SnaBDSC